Habakkuk 1

1Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.

Kugununʼuna kwaHabhakuki

2Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko,
asi musingandinzwi?
Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!”
asi hamundiponesi?
3Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira?
Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa?
Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu;
pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.
4Naizvozvo murayiro hauchisina simba,
uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi.
Vakaipa vanokomba vakarurama,
zvokuti kururamisira kunominamiswa.

Mhinduro yaJehovha

5“Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze,
ugoshamiswa zvirokwazvo.
Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako
chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.
6Ndiri kumutsa vaBhabhironi
ruya rudzi rune utsinye, rune hasha,
runopararira pasi pose
kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.
7Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa;
vasina murayiro unovatonga
uye vanongozvitsvakira kukudzwa.
8Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe,
anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana.
Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki;
vatasvi vamabhiza vanobva kure kure.
Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;
9vanouya vose kuzoita zvechisimba.
Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga
vachiunganidza nhapwa sejecha.
10Vanozvidza madzimambo
uye vanomhura vatongi.
Vanoseka maguta ose akasimbiswa;
vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.
11Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri,
varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”

Habhakuki anogununʼunazve

12Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here?
Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi.
Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge;
imi Dombo, makavagadza kuti varange.
13Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa;
hamungatenderi zvakaipa.
Sei zvino muchitendera vanyengeri?
Ko, munonyararirei kana vakaipa
vachimedza vanovapfuura mukururama?
14Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa,
sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.
15Muvengi anovaredza vose nezviredzo,
anovabata mumumbure wake,
achivakokorodza murutava rwake;
naizvozvo anopembera nomufaro.
16Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake,
uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake,
nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake,
anodya zvokudya zvakaisvonaka.
17Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake,
achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?
Copyright information for SnaBDSC